Psalms 87

Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
2Jehovha anoda masuo eZioni
kupfuura pose panogara Jakobho.
3Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,
iwe guta raMwari: Sera
4“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi
pakati pavanondiziva,
neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,
uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”

5Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,
“Uyu nowoyo vakaberekerwamo,
uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
6Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,
kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera
7Pavanoimba, vachaimba vachiti,
“Matsime angu ose ari mamuri.”
Copyright information for SnaBDSC